U-Z Yorambidza Vadzidzi Kudzokera Mudzimba

Vatungamiri veUniversity of Zimbabwe, avo vakanga vatambira mutongo wekuti vadzidzi vadzokere mudzimba dzavakange vadzingwa, vari kurambidza vadzidzi ava kupinda mudzimba dzepachikoro ichi.

Vice-Chancellor we U-Z, Professor Levy Nyagura, vaburitsa mashoko anoti hapana mudzidzi anofanirwa kuonekwa ari mudzimba idzi. Mashoko aya aburitswa mubepanhau re Sunday Mail.

Danho iri rinopikisa mutongo wakatarwa nedare neChishanu. Hatina kukwanisa kunzwa divi re U-Z panyaya iyi. Asi vadzidzi vanoti vanzi vaende kunogara kumba kwemutongi wedare, uyo akapa mutongo wekuti vadzidzi ava vadzokere kunogara mudzimba dze U-Z. Asi vane ruzivo nezviri kuitika panyaya iyi vanoti vakuru ve UZ vakasungwa mbira dzakondo panyaya iyi, sezvo nyaya yevadzidzi vepaU-Z, yapindirwa nevakuru vakuru muhurumende

Zvinonzi vakuru muhurumende vari kuti vadzidzi havafanirwe kugara pachikoro ichi, kudzimara munyika magadzikana. Zvinonzi pane kutyirwa kuti kana munyika mukaita mhirizhonga, vadzidzi vakaungana paU-Z vanogona kukonzera kuti mhirizhonga inenge yatanga muHarare, itadze kudzivirirwa.

VaRangu Nyamurundira ndivo gweta riri kumirira vadzidzi ava.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaNyamurundira kut tinzwe kuti chii chatadzisa vadzidzi kupinda mudzimba dzavaigara?

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...