Vagari vemaMutare vari kunyunyuta nekushayiswa kwavari kuitwa mukana wekutenga zvekudya nemapurisa pamwe nemasoja. Vagari ava vanoti mapurisa nemasoja vari kukumba zvekudya zvizhinji zvinenge zvaderedzwa mutengo, izvo zviri kuita kuti vamwe vanhu vashaye zvinhu izvi .
NeMuvhuro, Studio7 yakona mapurisa achitutira zvinhu mumotokari yemapurisa yanga iri pa Senhanga Centre.
Pamutemo, mapurisa anenge ari pabasa, anofanirwa kunge achimisa vanhu mumitsetse, kwete kumhanyira mberi kunotenga zvinhu, sezvaari kuita pasi pe Operation Dzikisai mitengo.
Mutori wenhau dzeStudio7, Loirdham Moyo, anoti veruzhinji vari kuti vashandi vehurumende pamwe nehama dzavo ndivo chete vari kuwana zvekudya zvinenge zvaderedzwa mitengo.