Nhengo dzeMDC dziri kupomerwa mhosva yekuda kubvisa hurumende nechisimba, dzamiswa pamberi pematare eMagistrates Court neChishanu dzikanzi dzidzoke kudare musi wa10 Nyamavhuvhu.
Nhengo dzeMDC gumi nenhanhatu dzichiri muhusungwa dzakamirira mutongo wekuti dzipihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso. Pava nemasvondo matatu mutongo uyu usati wadzikwa, uye hapana chikonzero chiri kupihwa kuti seyi mutongo uyu watora nguva yakareba.
Vamwe vari muhusungwa vanosanganisira mumiriri weGlen View muparamende, VaPaul Madzore, munin’ina wavo, VaSolomon Madzore, mutevedzeri wemunyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa ezve matongerwo enyika, VaMorgan Komichi, pamwe nemukuru anoona nezvevashandi, VaKudakwashe Matibiri.
Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro negweta riri kumirira vasungwa ava VaAlec Muchadehama kuti tinzwe kuti nyaya iyi iri kufamba seyi.