VeMakombi Votambiswa Nhova Nemapurisa

  • Blessing Zulu
    Jonga Kandemiiri

Hurumende iri kuenderera mberi ichimanikidza vemabhizimisi kuderedza mitengo uye kutora michovha yevamwe vemakombi vanenge varamba kuderedza mari dzavanobhadharisa vanhu pasi pechirongwa che"Operation Dzikisai Mitengo".

Asi vane ruzivo nezviri kuitika vanoti hapasisina kuwirirana muhurumende. Gurukota rezvevashandi, VaNicholas Goche, vanonzi vari kutiwo, vave kutora basa ravo negurukota rezvekutengeserana, VaObert Mpofu. Hapachazivikanwe zvekare kuti komisheni yezvemitengo yakaumbwa nehurumende, yave kuita basa rei.

Magweta anotiwo pamutemo weNational Incomes and Pricing Act, VaMpofu, senhengo yeparamende, havafanire kunge vari komishina wezvemitengo. Izvi ndizvo zvanzi zviri kuomerawo vachuchusi vehurumende kuti vaendese kumatare vamwe vana muzvinabhizimisi vakasungwa.

Bepanhau reHerald rinotiwo mukuru we OK Zimbabwe, VaWillard Zireva, vakasungwa neChipiri husiku, vachipomerwa mhosva makumi mana neimwe dzine chekuita nemitengo yezvinhu. Vanhu vakawanda vanoti mota dzekufambisa dzange dzichinetsa sezvo vemakombi muHarare nemuBulawayo, vari kubvisa motokari dzavo mumigwagwa, vachiti kudzikisa mari yemakombi hakuna chimuko.

Mapurisa neChina akapindawo mumaruwa umo munonzi makaita chipatapata vanhu vachitenga zvinhu zvange zvaderedzwa mitengo. muHarare neBulawayo, vanhu vanonzi vainge vachituta zvinhu zvaderedzwa mitengo paMakro, uye paGulf Complex muHarare, panzi midziyo idzikiswe mitengo. Vemabhizimisi vakawanda vanoti vatotanga kumbomisa vashandi vavo basa kusvika mhute iripo yapera.

Doctor Godfrey Kanyenze vanotungamira sangano reLabour and Economic Development Reseach Institute.

Doctor Kanyenze vaudza mutori wenhau WeStudio 7 Blessing Zulu kuti zviri kuitwa nehurumende zvichatoomesera vashandi kunyanya sezvo vacharasikirwa nemabasa.

Ukuwo mubatanidzwa wemasangano akazvimira oga weNANGO unoti mashoko ehurumende ekuti iri kuongorora masangano anopa rubatsiro rwezvekudya, sezvo ari kufungidzirwa kuti ari kuviga chikafu, inzira yekuda kuti masangano aya asungikane mumashandiro awo.

NANGO inoti pane nhengo dzayo mbiri dzine matura adzo adzinochengetera chikafu chekuzopa vanotambura, dzakatoshanyirwa nechikwata chiri kumanikidza kudzikiswa kwemitengo.

Vamwe vane ruzivo nezviri kuitika vaudza Studio Seven kuti World Vision neCare International vakatoshanyirwa nenhumwa dzehurumende dziri kutsvaga vari kuviga zvinhu.

Taedza kubata masangano aya asi sangano reWorld Vision rati tiite zvekunyora mibvunzo yedu kwariri. Ukuwo Care International yaramba kuti zvakadai hazvisati zvaitika kwairi.

Gurukota rezvemaindasitiri nekutengeserana nedzimwe nyika, VaObert Mpofu, vakati hurumende iri kuongorora masangano akazvimirira oga, ayo inoti ari kuviga chikafu nechinangwa chekuzogovera kuvanhu gore rinouya pasarudzo nechinangwa chekuda kubvisa hurumende.

VaFambai Ngirande ndivo Advocacy and Communications Manager weNANGO.

VaNgirande vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti hachisi chokwadi kuti vari kuda kubvisa hurumende.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...