Mapurisa anomirira kudzivirirwa kwemhirizhonga anonzi akadzinga mudzimba neChitatu manheru vadzidzi vepa University of Zimbabwe, avo vanga vachigara kunze kwe campus.
Vadzidzi ava vanosanganisira vadzidzi vari kudzidzira mabasa ekuva vana chiremba, pamwe nevari kuita zvidzidzo mubazi re Social Welfare. Kudzingwa kwevadzidzi ava madeko, kunoteverawo kudzingwa kwakaitwa vamwe vavo nemusi weMuvhuro. Studio Seven haina kukwanisa kunzwa divi revakuru vepa University of Zimbabwe, kuti tinzwe divi ravo.
Mashoko atiri kutambira anotiwo vatungamiri veZINASU vasangana neChina nevamiriri muZimbabwe venyika dzinoti South Africa, Tanzania neGhana, vachivakumbira kuti vaedze kunyegetedza mutungamiri venyika, kuti vashandise masimba avo kuitira kuti vadzidzi ava vadzokere kuchikoro.
VaZwelithini Viki, inhengo yeZINASU, uye vari kutsvaga nzira dzekugadzirisa dambudziko revadzidzi vakadzingwa mudzimba dzavaigara.
Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaViki kuti tinzwe mafambiro akaita zvinhu.