Hurumende Yoomesa Musoro Panyaya yeMitengo

Hurumende iri kuenderera mberi nechirongwa cheOperation Dzikisai Mitengo uye neChitatu, yakatara profit inofanirwa kuwanikwa nevemabhizimisi ava.

Hurumende yakanzurawo marezinesi evanobaya mombe kana kuti vane zvibayiro. Gurukota rezve kutengeserana, VaObert Mpofu, vanoti vanotengesera vanhu vanofanira kuita profit ye10% chete.

VaMpofu vati vane zvibayiro ava vakamira kuuraya mombe vakati mombe dzose dzave kuurayiwa nekambani ye CSC yehurumende. Asi vane zvibayiro ava vaudza Studio 7 kuti havasati vasumwa nezvehurongwa uhu.

Hurumende yaburitsawo mitengo yezvinhu zvayati zvitevedzerwe nevemabhizimisi. Vanhu vakawanda vanoti vave kutofumo bata jongwe muromo kuenda kuzvitoro kunotsvaga zvekudya sezvo zvave zvishoma.

Gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko, VaSikhanyiso Ndlovu, vati havachadi kunyanyotaura vave kuda kuita basa chinyararire.

Amai Marah Hativagone ndivo vanotungamira ZNCC.

Mutori wenhau we Studio 7, Blessing Zulu abvunza Amai Hativagone kuti vanoona sei nyaya yekutorera vanhu marezinesi iyi.

Kunyange hazvo mitengo yezvimwe zvinhu zvese munyika, iri kunzi yadzikiswa, vamwe vanoti mitengo yemishonga inosanganisira ma anti-retroviral drugs, haina kudzikiswa.

Mutevedzeri wegurukota rinoona nezvehutano, Dr Edwin Muguti, vakati vachakurudzira task force yezve mitengo, kuti ione zvaingaite nezvitoro zvinotengesa mishonga nevemuzvipatara zvakazvimirira zvoga.

Asi vamwe vanotengesa mishonga vanoti vakatodzikisa mitengo yemishonga, asi vangomirira kuona kuti zvii zviri kudiwa nehurumende.

Muzvare Evelyn Chamisa vanoshanda nemadzimai anorarama neutachiwana hwe HIV/AIDS pa The Center, vaudza mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba kuti havasi kuona mitengo yema ARV's yakaderera.

Gweta riri kumirira vamwe vana muzvinabhizimisi, VaJonathan Samkange, vanoti neChitatui vakatadza kumira pamberi pedare sezvo vachuchusi nemapurisa vasiri kuwirirana pamhosva dzavakapomera vanhu ava.

VaSamkange vaudza Blessing Zulu, kuti hurumende haisati yadzika zviri pamutemo mutemo wekudzikisa mitengo yezvinhu.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...