Zimbabwe Peace Project Inobuditsa Gwaro Rekutyorwa Kwekodzero Dzevanhu

Sangano reZimbabwe Peace Project rabuditsa gwaro remuna Chivabvu chete, rinoti vanhu vanosvika mazana matanhatu nemakumi matanhatu ane vatatu vakashungurudzwa munyika nepamusana pezvematongerwo enyika pamwe nezvehupfumi.

Gwaro iri rinotaura zvizere pamusoro pezviitiko zvakatsaukana uye mumwe muenzaniso urimo ndewekuti, mumwe kanzura weZANU-PF akatungamira vechidiki vebato iri kuenda kuMadziro Bottle Store kwaChigweshe, ndokupunza midziyo, pamwe nekurova mushandi wemuchitoro, vachimupomera mhosva yekukoka vanhu kuti vateerere nhau dzenhepfenyuro yeStudio 7.

Zvimwe zviri kuitika, zvinosanganisira nyaya yekuti mapurisa anosvika gumi nevashanu vakatora majana kurova, pamwe nekurwadzisa vanhu gumi, kwaChiadzwa. Mapurisa aya anonzi akarova vanhu ava pasi petsoka, uye ndokuvaimbisa nzwiyo husiku hwese. Mumwe mudzimai anonzi akakuvara zvakaipisisa pachiitiko ichi, mushure mekurohwa kumagadziko. Mudzimai uyu anonzi akatozoendeswa kuchipatara, uko ari kurapwa.

National director veZimbabwe Peace Projects, Muzvare Jestina Mukoko, vatsanangurira Carole Gombakomba, mutori wenhau we Studio 7 zvizere nezvehumbowo hwavo pane zviri kuitika izvi.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...