Zviuru Nezviuru Zvoungana muGweru Kuzonzwa VaTsvangirai Vachitaura

Mutungamiriri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vati kunyange hazvo bato ravo riri kugadzirira sarudzo dzegore rinouya, bato ravo richakwikwidza chete musarudzo idzi kana zvichemo zvavanazvo zvagadziriswa.

VaTsvangirai vakataura mashoko aya pamusangano wavakaita nevatsigiri vavo muGweru neSvondo.

Mutori wedu wenhau Taurai Shava, uyo akanga ari muGweru, anoti zviuru nezviuru zvevanhu vakazara muMkoba Stadium vachinzwa mashoko aVaTsvangirai

Tichiri panyaya yezvakaitika muGweru, sekutaura kwaTaurai Shava, vaimbowe nhengo yeCentral Committee yeZanu PF, VaPearson Mbalekwa, vava nhengo yeMDC. VaMbalekwa vakasiya Zanu PF vachinyunyuta nezvakaitwa nehurumende apo yaiputsa dzimba paOperation Murambatsvina mugore ra2005.

VaMbalekwa, avo vakanga vaumba bato reUnted People’s Movement pamwe naVaJonathan Moyo, vakaratidzwa kuvatsigiri veMDC pamusangano uyu.

Meya weguta iri, VaSesil Zvidzai, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vanotambira VaMbalekwa nemaoko anodarika maviri, vachiti VaMbalekwa vaita zviri kutadza kuitwa nevanhu vakawanda vari kungonyunyuta asi vachiramba vari muZanu PF.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...