Nyaya Yemauto Ari Kupomerwa Mhosva Yekuda Kubvisa VaMugabe Pachigaro Yopinda Mudare neChishanu

Mapurisa, ma CIO pamwe nevasori veMilitary Intelligence, vanonzi vari kuenderera mberi vachisunga pamwe nekushungurudza mauto nehama dzavo vachivapomera mhosva yekuti vari kuda kupidigura hurumende yaVaMugabe nechisimba.

Pari zvino pane vanhu vatanhatu vari muhusungwa zviri pamutemo, asi magweta evanhu ava vaudza Studio 7 kuti hama dzavo kunyanya dzeanonzi aitungamira hurongwa uhu, VaAlbert Matapo, vakatochwa nemapurisa mushure mekumbosungwa.

Vamwe vakasungwa vasati vaburitswa pachena vanosanganisa mauto akawanda anonzi haazivikamwe kuti akachengetedzwa kupi.

Mauto anonzi ari kurambidzwawo kubuda munyika. Bepanhau reThe Zimbabwe Times, rinotiwo mauto anosvika mazana maviri nematatu, anonzi akasungwa apo aida kubuda munyika pakati pa 14 Chivabvu na 12 Chikumi.

Panyaya iri mudare, mapurisa anoti VaMatapo nevamwe vavo vaida kupidigura hurumende muchirongwa chinonzi Operation 1940 sezvo vainzi vaida kuita izvi na8.40 pm manheru emusi wa 15 Chikumi, vozofamba nechikopokopo vachikanda mapepa ekuzivisa vanhu kuti VaMugabe vainge vabviswa pachigaro.

Asi VaMatapo nevamwe vavo vanoti aya manyepo, uye vari kuda kuendesawo mapurisa kumatare nekuvapomera mhosva yavasina kupara, vachishandiswa nevanhu vari kuda kutora chigaro chaVaMugabe muZANU-PF. VaEmmerson Mnangagwa ndivo vanonzi vaizopihwa chigaro chaVaMugabe, asi vakaudza Studio 7 kuti aya manyepo.

Vari kutungamira kuferefetwa kwenyaya iyi, Suprintendent Mundondwa vekuLaw and Order, vatumira tsamba kumagweta evarume ava, avo vari kutarisirwa kumira pamberi pedare neChishanu, vachiti havasi kuda kuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Gweta revarume vatanhatu ava, VaCharles Warara, vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti mapurisa ari kuti ari kutya kuti vasungwa ava vangazotize sezvo vachigona kutongerwa rufu.

Dzimwe Khau Kubva kuStudio 7...