Chitatu ranga riri zuva rekucherechedza vapoteri vari munyika dzakasiyana siyana pasi rose, re International Rrefugee Day.
Bazi remubatanidzwa wenyika dzepasi rose rinoona nezvevapoteri re UNHCR, rinoti pasi rose, vanhu vanodarika mamiriyoni makumi mana vakatiza misha yavo vachinopotera kudzimwe nyika.
Bazi iri rinoti vazhinji vevanhu ava vari kutiza matambudziko anokonzerwa nezvematongerwo enyika munyika dzavo. Vanoongorora zvevapoteri vanoti vanhu vemuZimbabwe vanodarika mamiriyoni mana, vakatizawo munyika, vachinotsvaga hupoteri kunyika dzakaita seSouth Africa, Botswana, Mozambique, Britain, America, New Zealand, Australia pamwe ne Canada.
Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba , aita hurukuro naVa Gabriel Shumba, Executive Director ve Zimbabwe Exiles Forum, kuti tinzwe pfungwa dzavo pamusoro pekukosha kwezuva ranhasi.