Dare repamusoro reHigh Court rakundikana kunzwa nyaya yenhengo dzeMDC dziri muhusungwa, zvichitevera chikumbiro chapihwa nemuchuchisi chekuti anoda kuunza vafakazi mudare.
Mutongi wedare, Justice Lawrence Kamocha, vapa muchuchisi zuva rose kuti atsvage vafakazi vaanoda kuti vauye kudare.
VaKamocha vatiwo kana muchuchisi akatadza kuita izvi, dare richaenderera mberi neChina pasina vafakazi ava.
Nyaya yapinda mudare ndeye vanhu vari kupomerwa kudzidziswa zvehugandanga kuSouth Africa, avo vari kuda kuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso, kana kuti bail.
VaAlec Muchadehama, gweta riri kumirira vasungwa ava vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vanofunga kuti hurumende iri kuramba ichiunza zvikumbiro kuitira kupedza nguva.