ZIBAWU Inoti Pamberi Nekuramwa Mabasa

Sangano revashandi vemumabhanga, reZimbabwe Banks and Allied Workers Union of Zimbabwe, ZIBAWU, rinoti richaenderera mberi nehurongwa hwaro hwekuramwa mabasa kana mazuva gumi nemana ekuzivisa arakapa akasvika pasina chaitwa nevashandirwi.

Mazuva gumi nemana aya anokwana nemusi weChipiri svondo rinouya asi vashandirwi vanga votorawo matanho ekuti vamise kuramwa mabasa uku, zvichitevera chikumbiro chavakaisa kubazi rezvevashandi, kuti rimise vashandi kuti vasaramwa mabasa.

Asi bazi iri ranzi rakati vashandi vari kutevera matanho anofanirwa kuteverwa kana pachiziviswa nezvekuda kuramwa mabasa.

Sachigaro weBank Employers Association of Zimbabwe, VaSimba Manhando, varamba kutaura nezvenyaya iyi.

Mutungamiri weZIBAWU, VaBlessing Mujuru, vaudza Blessing Zulu weStudio 7 kuti vashandirwi vanofanirwa kutevera zvakataurwa nemuyananisi zvekuti vashandi vawedzerwe mari.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...