Australia Yopa Mari Masangano Anorwira Kodzero Dzevanhu Munyika

Hurumende yeAustralia yati ichapa mari inoita 8 million pounds kumasangano anorwira hutongi hwejechetere ari munyika.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu nekubatsira vanotambura munyika anzi achawana 2.5 million pounds mwedzi uno usati wapera, imwe mari yozopiwa Chikumi wegore rinouya asati asvika.

Gurukota rezvekunze kweAustralia, VaAlexander Downer, vakati nyika yavo ichaedza napose painogona napo kubatsira zvizvarwa zveZimbabwe kuti zvibve pajoki rehutongi hwaVaMugabe.

Izvi zvinoitika zuva rimwe chete mutungamiri wenyika iyi, VaJohn Howard, varambidza chikwata chavo checricket kuenda kunotamba neZimbabwe, zvichitevera kurohwa nekushungurudzwa kuri kuitwa vanhu munyika. Kubva muna Kurume, hurumende iri kusunga pamwe nekurova vemasangano akazvimira oga pamwe nemapato anoipikisa.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, Doctor John Makumbe, vati vanoona sekuti izvi zvichatoita kuti hurumende yaVaMugabe inyanye kushungurudza vemasangano anoshanda akazvimirira oga.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...