Mapurisa Anorova Zvakaipisisa Magweta Anga Achida Kuratidzira muHarare

Mutungamiri wesangano remagweta reLaw Society of Zimbabwe, kana kuti L-S-Z, Amai Beatrice Mtetwa, pamwe nemamwe magweta, arohwa zvakaipisisa nemapurisa neChipiri panze pedare repamusoro apo vanga voda kutanga kuratidzira.

Magweta aya anga achida kuratidzira kusafara kwavo nemabatirwo avari kuitwa nehurumende.

Mutori wenhau weStudio7 Thomas Chiripasi anoti vakuru ava varohwa kunyangwe vaedza kupotera mune mahofisi egurukota rezvemitemo.

Mutori wenhau weStudio 7 Blessing Zulu aitawo hurukuro naVaChris Mhike gweta rinoshanda neArtherston and Cook varizve nhengo yeLaw Society of Zimbabwe avo vati varohwawo nemapurisa mushure mekukandwa mumotokari ndokuenda kunze kweguta.

Zvichakadaro mutevedzeri wemutungamiri wevadzidzi paUniversity of Zimbabwe, VaClifford Hlatshwayo, vaanonzi vakarohwa zvakaipisisa nevanofungidzirwa kuti ndevesangano revasori neChipiri mangwanani paUniversity of Zimbabwe. VaHlatshwayo vanonzi vakarohwa nesimbi uye zvamboko, vakazokandwa kubva mufirst floor mavanogara kuenda pasi, izvo zvakaita kuti vakuvare zvakaipisisa.

VaBeloved Chiweshe mutevedzeri wemutungamiri wesangano reZINASU, iro rinomiririra vadzidzi vemuzvikoro zvepamusoro soro vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti VaHlatshwayo vaendeswa muIntensive Care Unit kuAvenues Clinic.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...