Varairidzi Votya Kudzokera Kunodzidzisa Kumaruwa

Sangano revarairidzi reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe, PTUZ, rati nhengo dzaro zhinji dzinoshandira kumatunhu eMashonaland East neMashonaland Central, dziri kutyisidzirwa nevanhu vanofungidzirwa kuti vasori pamwe nenhengo dzebato reZANU PF.

Sangano iri rati izvi zvichaita kuti varairidzi vakawanda vanonoke kuenda kubasa, kana kutotadza kudzokera muzvikoro zviri mumatunhu aya, sezvo vari kutya kushungurudzwa.

Vamwe varairidzi vanzi vakatambira matsamba aiva yambira kuti vanogona kurasikirwa neupenyu kana vakaramba vachitsigira sangano ravo, iro rinonzi rinodyidzana nebato rinopikisa reMDC.

Hatina kukwanisa kunzwa divi reZANU PF, kanawo sangano revasori.

Muhurukuro yavaita naJonga Kandemiiri weStudio7, VaRaymond Majongwe, avo vanowe munyori mukuru wePTUZ vakurudzira varairidzi kuti vasapindire mune zvematongerwo enyika, asi kuti vatarisane nebasa ravo chete.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...