VaMugabe Votyisidzira Vatungamiri veRoman Catholic

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoti tsamba yakanyorwa nemabishopu echechi yeRoma vachishora hutungamiri hwavo, haina nematuro ose, uye inoratidza kuti vakuru vechechi ava vave kuita zvematongerwo enyika.

VaMugabe vakaudza bepanhau reNew African kuti nzira yava kutorwa nemabhishopu iyi, ine ngozi sezvo ivo vachazovabata sevemapato ezve matongerwo enyika.

Mabhishopu aya akanyora tsamba inoyambira VaMugabe kuti vanhu vachavapandukira vakasachinja maitiro avo, uye vakashorawo kuitwa kafiramberi kuri kuitwa vanhu vanopikisa hurumende. Vanotiwo vane rutsigiro rwaPope Benedict XVI avo vakati nyaya yeZimbabwe inofanira kugadziriswa.

VaMugabe vanoti havo vakagadzirira kusangana nemabhishopu aya.

Asi vanoona nezvekuburitswa kwemashoko muchechi yeRoma, Father Oskar Wermter, vaudza mutori wenhau weStudio 7 Blessing Zulu, kuti vakagadzirira kusangana naVaMugabe, asi havasi kuzodududza pakushora mabasa akaipa anoitwa nehurumende yavo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...