Sachigaro weMDC VaMatongo Vashaya muHarare

  • Blessing Zulu
    Thomas Chiripasi

Vanga vari sachigaro veMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaIsaac Matongo, vashaya muHarare mambakwedza eChitatu.

VaMatongo vanonzi vakashaya vavete mumba mavo kuHighlands. Bato reMDC rinoti VaMatongo vasiya vana vasere uye vazukuru gumi nevatatu.

Mutori wenhau weStudio 7 Thomas Chiripasi aenda kumba kwemufi uko ati kwange kwatoungana vanhu vange vochema mufi.

Mutori wenhau Blessing Zulu aitawo hurukuro naVaGift Chimanikire nhengo inomirira MDC kuMbare, avo vakashanda naVaMatongo muZCTU pamwe nemuMDC kwenguva yakareba.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...