Hurumende Inowedzera Mari yeHupfu

Hurumende yawedzera mutengo wehupfu kubva paZ$3,200 kusvika paZ$21, 874. Mutengo wechibage kuvarimi wawedzerwawo zvekare kubva paZ$52, 420 kusvika pa Z$3 million.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaJohn Robertson, vanoti izvi zvakanakira varimi asi kuvatengi zvichakonzera matambudziko makukutu.

Vanotiwo zviri kureva kuti inflation ichakwira zvakanyanya. Zimbabwe iri kutarisirwa kuwana goho rechibage riri pakati pe500 000 ne 600 000 tonnes gore rino. Hurumende yatotanga kutenga chibage kunze zvikuru kuMalawi.

Gurukota rinoona nezvehupfumi kuMalawi, VaGoodall Gondwe, neChipiri vakazivisa kuti Malawi yatotanga kuendesa chibage chairi kutengesera Zimbabwe chinosvika matani 400,000.

Asi chibage chose ichi chinonzi chichatora mwedzi mitanhatu kuti chipinde munyika, uye kusvika panguva iyi, Zimbabwe inofanira kunge yabhadhara chibage chacho chose.

VaRenson Gasela munyori munyaya dzekurima muMDC inotungamirwa naVaArthur Mutambara vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti mutengo uyu wakanakira varimi kwenguva pfupi sezvo zvinhu zviri kuramba zvichikwira.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...