Zimbabwe Yotadza Kukwezva VeMabhizimisi Vekunze neHumbimbindoga

Gwaro rinoongorora zvemabhizimisi munyika dzepasi rino, reIndex of Economic Freedom 2007, iro rinonyorwa neHeritage Foundation neWall Street Journal, rinoti Zimbabwe iri pakati penyika dzinonetsa kutanga mabhizimisi nekuda kwemitemo yehurumende.

Ongororo iyi inoti munyika dzemuAfrica, Zimbabwe ndiyo iri pasi pasi panyika dzakaongororwa. Munyika dzepasi rose, Zimbabwe iri panhamba 154 panyika 157, uye nyika dziri pasi pezimbabwe iLibya, Cuba, North korea .

Ongororo iyi inotarisa zvinhu zvakaita semitero, mitemo inechekuita nevashandi, uye kukwanisa kwenyika kukwezva mabhizimisi ekunze.

Gwaro iri rinoshora zvikuru nyaya yehurumende yekungotora mabhizinesi evanhu uye inoti Zimbabwe, iyo yaimbokwanisa kupa Africa chikafu, yave kupemha nekuda kwehutongi hwehumbimbindoga.

Dr Godfrey Kanyenze vanotungamira Labour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe vaudza mutori wenhau weStudio 7 Blessing Zulu kuti izvi hazvishamise nekuti hurumende yagara ichipinda nemwenje mudziva.

Dzimwe nhau kubva kunhau dzeStudio 7...