Nhengo dzeWOZA neMOZA Dzinosungwa muBulawayo

Nhengo dzesangano re Women of Zimbabwe Arise, WOZA, pamwe nesangano re Men of Zimbabwe Arise, MOZA, dzinopfuura zana nemakumi matatu, dzasungwa neChina muBulawayo.

Mashoko atiri kutambira anoti vamwe vevasungwa ava, varohwa zvakaipisisa nemapurisa. Izvi zvinonzi zvaitika mangwanani, apo nhengo idzi dzanga dzichiratidzira munzvimbo dzakasiyana siyana. Vanhu ava vanoti havasi kufara nemabatirwo avari kuitwa ne ZESA, iyo vanoti iri kutadza kuvawanisa magetsi akakwana, asi vachibhadhariswa mari dzakawanda.

Nhengo dzeWOZA ne MOZA dzaunganawo munzvimbo dzakaita seNketa, Magwegwe, Mpopoma, pamwe nemu Entumbane. Gweta riri kumirira vasungwa ava, VaKucaca Mpulu, vanoti mapurisa anga asati apomera vanhu ava mhosva yavapara, apo tavabata tisati taenda pamhepo.

Mutori vedu venhau veStudio Seven Patience Rusere atanga nekubvunza imwe nhengo yeMOZA, VaShepherd Dube, kuti zvinhu zvafamba seyi muBulawayo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...