Paramende Inocheka Hukama Hwayo neUSAID

Hurumende inoti yacheka hukama hwayo nebazi rehurumende rekuAmerica rinopa rubatsiro pasi rose, re USAID, iro rinoshanda pamwe neState Universirty of New York mukubatsira dare reparamende.

Asi vamwe vakuru muhurumende vanoti gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, munyori weParamende, VaAustin Zvoma, uye vanotungamira Zanu-PF mudare reparamende, VaJoramu Gumbo, vainge vatsika madziro vachiti izvi zvainge zvisina chazvinobatsira.

Asi vakuru muhofisi yaVaMugabe, avo vanosanganisa munyori wedare remakurukota, VaMisheck Sibanda, uye mutauriri waVaMugabe, VaGeorge Charamba, vachitsigirwa nemamwe makurukota, vanonzi vakati USAID irambidzwe kushanda neparamende. Chikonzero chakapihwa ndechekuti America iri kuda kupidigura hurumende yaVaMugabe.

Chibvumirano pakati peUSAID neparamende chakatanga muna 1999 uye chakabatsira mukuumbwa nekupa rubatsiro kumakomiti eparamende akasiyana siyana, uye kuunza nyanzvi dzinobatsira nhengo dzeparamende mumabasa adzo, pamwe nekuunzawo nhengo dzeparamende dzekune dzimwe nyika kuzorodza pfungwa.

Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika dzinoti izvi zvainge zvoonekwa mukushanda zvinofadza kwemakomiti eparamende, ayo ange ofushunura nyaya dzehuori muhurumende.

Amai Priscilla Misihairambwi Mushonga sachigaro wekomiti yeparamende yePublic Accounts uye vari kuchikwata cheMDC chinotungamirwa navaArthur Mutambara vaudza mutori wenhau weStudio 7 Blessing Zulu kuti paramende icharasikirwa zvikuru nedanho rehurumende iri.

Sezvo tisina divi ratinorerekera Blessing Zulu aitawo hurukuro naChief Whip weZanu_PF VaJoram Gumbo vati havana kufara nemashoko ekuti Amereica iri kushanda navo kupidigura hurumende yaVaMugabe.

Chief whip weMDC VaInnocent Gonese vaudzawo Blessing Zulu kuti kuita kwehurumende hakuratidzi kuti yambotanga yanyatsozeya nyaya iyi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...