MDC inotungamirirwa naVa Morgan Tsvangirai, yaramba kuti iri kuwana rubatsiro kubva ku America, sezviri kutaurwa nebepanhau re Herald. Bepanhau iri rinoti izvi zvakabuda mugwaro rakabuditswa neAmerica nemusi we China svondo rapera, iro rinonzi “Supporting Human Rights and Democracy: The US Record 2006”.
Asi mugwaro iri, hurumende yeAmerica haitauri kuti inopa MDC rubatsiro, asi kuti inopa rubatsiro kumasangano akasiyana siyana, kuitira kuti hurumende yaVa Mugabe, ichinje maitiro ayo, pamwe nekutsigira vose vanokurudzira hutongi hwejechetere, uye kubatsira vari kutambura, kubudikidza nekutadza kutonga kwehurumende yaVa Mugabe.
Gurukota rinoona nezvekufambiswa kwemashoko, Va Sikhanyiso Ndhlovu, vakatiwo zviri mugwaro iri zviri kuratidza pachena kuti America iri kupa MDC rutsigiro, kuitira kuti ibvise VaMugabe pachigaro.
Asi mutevedzeri wegurukota rinoona nezve kunze kwe America munyaya dzehutongi hwejechetere, kodzero dzevanhu, nezve mabasa, Va Barry F. Lowenkron, varamba kuti ichi ndicho chinangwa chavo sezviri kutaurwa nehurumende yaVaMugabe.Va Lowenkron vaenderera mberi vachiti vanhu vari kurohwa zvakaipisisa muZimbabwe, uye nyika dzepasi rose dzinofanirwa kusimudza misoro pane zviri kuitika muZimbabwe.
Munyori anoona nezvekudyidzana kwe MDC nedzimwe nyika, Professor Eliphas Mukonoweshuro, vanoti havabvumirane nemashoko aVa Ndlovu pamwe nezviri kuburitswa nebepanhau reHerald.
Mutori wenhau dze Studio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro na Professor Mukonoweshuro kuti tinzwe zvavanofunga pamusoro pegwaro iri, pamwe nezviri kuburitswa ne Herald.