VaMajongwe Vakapotsa Vapambwa muHarare

Vanhu vanofungidzirwa kuti vasori vanonzi vakaedza kupamba VaRaymond Majongwe, vanowe munyori mukuru weProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, neChitatu muHarare.

Varume vaida kupamba VaMajongwe ava vanonzi vakanga vaine motokari yakanga yakatovhurwa magonhi nechekare apo vamwe vavo vaiedza kuvakwezva kuti vabve paive nevanhu.

VaMajongwe mumwe wevanhu vari pamazita evanhu vanonzi vanofanirwa kupfuudzwa akaburitswa pagwaro rinoratidza kuti rakabva mumahofisi emutungamiri wenyika.

Chiitiko ichi chakaitika apo vashandi vakanga vapinda muzuva rechipiri, uye rekupedzisira rekuramwa mabasa.

VaMajongwe vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vave kutyira hupenyu hwavo nehwemhuri yavo sezvo vamwe vevarume ava vachinzi vakashanyirawo kumba kwavo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...