Masoja, mapurisa uye vesangano revasori vanonzi vakatanga neMuvhuro manheru kurova vanhu mumabhawa nedzimwe nzvimbo dzekutandarira.
Izvi zvinotvera chisungo ceZCTU chekuti vashandi varatidzire. Vakanyanyorohwa ndevemunzvimbo dzeveruzhinji dzakaita seMabvuku, Epworth neDzivarasekwa.
Mashoko atatambira anoti mumaguta ose emunyika mange makazara mapurisa ange akapakatira zvombo zvehondo, vachifambawo nemotokari dzinomwaya mvura kudzivirira kuratidzira dzakabva kuChina nekuIsrael.
Mapurisa afumirawo kubata jongwe muromo achiisa achimisa motokari munzira dzekupinda muguta reHarare. Asi ZCTU inoti nemaitiro ehurumende ekurova vanhu vasina mhosva yaona zvakakodzera kuti vashandi vasapinde mumigwagwa vachiratidzira, asi kuti vagare mudzimba dzavo.
VaDewa Mavhinga vanoongorora zvematongerwo enyika uye vari gweta rinorwira kodzero dzeavanhu vaudza mutori wenhau weStudio 7 Blessing Zulu kuti hurumende yazadza mapurisa nemauto mumaguta kuratidza kuti hapana achaitsigira.