Mapurisa Anopamba Nhengo dzeMDC Muchipatara

Nhengo dzeMDC dzakatorwa nemapurisa mudzimba uye mumahofisi eMDC muHarare dzikarohwa zvakaipisisa dziri mumaoko emapurisa, dzamiswa zvekare pamberi pedare neMuvhuro.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Wayne Bvudzijena, vanoti vanhu ava vari kupomerwa mhosva yekukanda mabhambu epeturu munzvimbo dzakasiyana siyana.

Vasungwa ava vanosanganisira VaPaul Madzore, nhengo yeparamende inomiririra Glen View, pamwe naVaIan Makone, vanovazve chipangamazano chaVaMorgan Tsvangirai. Dare rainge rati varume ava vaende kuchipatara neMugovera sezvo vamwe vacho vainge vofenda mudare.

Asi gweta riri kumirira varume ava, VaAlec Muchadehama, vanoti mapurisa akaenda husiku kunovatora kubva muchipatara, achienda navo kuchitokisi pasina mvumo yavana chiremba, kanawo mvumo yematare ayo akanga ati varume ava vapinzwe muchipatara.

Vakuru vekuAvenues Clinic varamba kutaura nezvenyaya iyi, vachiti vari kutyisidzirwa nevesangano revasori kana kuti maCIO. Zvinonzi vanhu vanodarika mazana matatu vari kurapwa pachipatara apa, zvichitevera kurohwa kwavari kuitwa nemapurisa.

Dare ra magistrate rinonzi raramba kupa vanhu vanomwe vaenda kudare neMuvhuro mukana wekubvisa mari yechibatiso, izvo zvichapa kuti vagare mutorongo kusvika musi wa 16 Kubvumbi.

VaMuchadehama vaudza mutori wenhau weStudio7 Blessing Zulu vave kukwira kudare reHigh Court kuti vatsigiri veMDC vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...