Varairidzi Vangangopindazve Mukuramwa Mabasa

Varairidzi vangango dzokerazve mukuramwa mabasa zvichitevera kuoma kwaita zvinhu munyika, izvo zvava kuvasiya vasina mari mushure mekunge vatambira mari dzavo dzepamwedzi.

Sangano revarairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, razivisa kuti rakatonyorera Public Service Commission, tsamba yekuti hurumende itarisezve mari dzinotambirwa nevarairidzi.

Sangano iri rati hurumende ikakundikana kuita izvi, zvinenge zvava kureva kuti varairidzi vanenge vopinda zvakare mukuramwa mabasa.

Ukuwo, mapurisa anonzi ari kutsvaga munyori mukuru wePTUZ, VaRaymond Majongwe, sezvo vari kuda kubvunzurudza.

VaMajongwe vaudza mutori wenhau weStudio 7, Jonga Kandemiiri, kuti vachaenda nemagweta avo kumapurisa nemusi weMuvhuro, sezvo vatya kuti vakaenda neChishanu vaizovharirwa nemapurisa kusvika Muvhuro.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...