VaTsvangirai Vanombochengetedzwa neMapurisa Mahofisi Avo Achibvorongwa

Mapurisa ange akapakatira zvombo zvehondo, tsvimbo, zvamboko pamwe neimbwa akapinda nechisimba neChitatu pamuzinda wemahofisi eMDC paHaverst House muHarare.

Vanhu vanga vari mumahofisi aya kusanganisirawo mutungamiriri webato iri VaMorgan Tsvangirai vatorwa ndokuendwa navo ku Harare Central Police Station.

Mutori wedu wenhau weStudio 7 Irwin Chifera, aona zvichiitika anoti vemabhizimisi vari pedyo nemuzindaweMDC vamanikidzwa kuavhara.

Zvichakadaro sangano reEuropean Union rashora zvikuru kumbotorwa kwaVaTsvangirai rikati vamiriri varo vanofanira kubvumidzwa kuona vanhu vari muhusungwa. Ratiwo vanofanira kutenderwa kuona vana chiremba uye magweta avo. Munyori anoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muBritain, Amai Margaret Beckett, vashorawo hurumende yaVaMugabe nemabatiro airi kuita VaTsvangirai nevamwe vavo.

VaTsvangirai vaudza mutori wenhau weStudio 7 Blessing Zulu kuti mapurisa atora macomputers nemamwe magwaro uye vapwanya magonhi akawanda.

Tichiri panyaya iyi gweta riri kumirira MDC , VaAlec Muchadehama vaudza mutori wenhau Zulu kuti vave kukwidza kuHigh Court nyaya yekurambidzwa kwavo kuona vasungwa nemapurisa uye vesangano revasori.

Vatiwo pari kufungidzirwa kuti vanhu vasungwa parizvino vanosvika makumi matanhatu.

Dzimwe nhau kubva kuStudio 7...