Nhengo dzeMDC Dzotorwa Nechisimba Nemapurisa

Mashoko atiri kutambira anoti mapurisa aenda mambakwedza eChitatu akanosunga vatungamiri veMDC kusanganisa nhengo yeparamende inomirira Glen View, VaPaul Madzore.

Asi VaEmmanuel Chisvuure, avo vanomiririra Budiriro muparamende, vakwanisa kutiza. Mumwe mutsigiri we MDC, Va Joshua Mukoyi, vanonzi vapambwawo, uye havasi kuzivikanwa kuti vari kupi.

Zvinonziwo Va Ian Makone, pamwe nemudzimai wavo, Theresa, vakatorwa nemapurisa manheru eChipiri, uye hapana ari kuziva kuti vari kupi. Zvinonzi vaviri ava vakatorwa pamwechete nemunyori anoona nezve kufambiswa kwemabasa mudunhu reMash East, VaPiniel Penga. Mumiriri weKambuzuma muparamende, uye vachiona nezve kuburitswa kwemashoko muHarare, VaWillias Madzimure, vanoti vanhu vari kutorwa nechisimba vakawanda, zvokuti vamwe vacho havasati vavakuvaziva kuti ndivanani.

Patience Rusere weStudio Seven atanga nekubvunza VaMadzimure kuti zvinhu zviri kufamba seyi muHarare.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...