Bato reMDC razivisa kuti harisi kuzopinda musarudzo dzegore rinouya kana hurumende yaVaMugabe isina kuvandudza bumbiro remitemo, pamwe nemitemo yasarudzo.
Asi mutauriri weZanu-PF, Doctor Nathan Shamuyarira, varamba kutaura nezvekuramwa sarudzo kweMDC uku, kana bumbiro remitemo risina kuvandudzwa. Doctor Shamuyarira vaudza Studio 7 kuti havakwanise kutaura nezviri kurongwa nebato rinopikisa.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoti bato ravo ratotanga kutsvaga rutsigiro musarudzo idzi. Dare reCentral Committee yeZanu-PF rinonzi ringangosangana neChishanu kwete neChitatu sezvo VaMugabe vari kutarisirwa kuenda kuTanzania kumusangano weSADC wechimbichimbi, uyo uri kutarisirwa kuzeya nyaya yeZimbabwe. Central Committee yeZanu PF iri kutarisirwa kuzeya nyaya yekuti sarudzo dzoitwa muna 2008 here kana kuti muna 2010.
VaTendai Biti munyori mukuru muMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai vaudza mutori wenhau weStudio 7 Blessing Zulu kuti vari kushanda nemamwe mapato anopikisa hurumende muhurongwa hwekuramwa sarudzo uhu.