Dhora reZimbabwe riri kuramba richidonha zvekuti dhora rimwe rekuAmerica rave kutengwa nemari iri pakati peZ$25,000 ne Z$30,000. Izvi zvabva zvapawo kuti mitengo yezve kudya, uye zvekufambisa ikwire zvakanyanyisa.
Kunyange hazvo dhora rekuAmerica riri kutengwa nemari yakawanda zvakadai, hurumende ichiri kutenga dhora reku America ne Z$250 chete.
VaJames Jowa nyanzvi munyaya dzehupfumi uye vachishanda vakazvimirira vaudza mutori wenhau dzeStudio7 Blessing Zulu kuti makambani mazhinji anotengesa zvinhu haasi kuita zvakanaka nekudaro dhora reZimbabwe riri kuramba richiderera mutengo.