Muzvare Kwinjeh, Amai Holland, VaBango, Vorapwa muSouth Africa

Mutauriri wemutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, Va William Bango, vabviswa Gall bladder muchipatara cheku South Africa nhasi, zvichitevera kukuvadzwa kwavakaitwa apo vakarohwa nemapurisa masvondo maviri apfuura.

VaBango vari kurapwa vari pachipatara cheMilpark muSouth Africa, apo pari kurapirwa munyori anoona nezvehurongwa pamwe negwara mubato iri, Amai Sekai Holland, pamwe nemutevedzeri wemunyori anoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika mubato iri, Muzvare Grace Kwinjeh.

Amai Holland vaitwawo operation nhasi kuitira kuti vaiswe simbi dzekubatanidza mabhonzo mumuviri wavo. Muzvare Kwinje, vakaitwa operation nemusi weChishanu, vachigadziriswa nzeve pamwe nemusoro wakakakuvadzwa.

Vatatu ava pamwe nevamwe vatungamiri ve MDC, vakarohwa zvakaipisisa nemapurisa apo vakange vaenda kumusangano wekunamatira nyika ku Zimbabwe Grounds.

Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba abvunza Va Roy Bennet mubati wehomwe mubato reMDC, vari kuSouth Africa, kuti chii chazoita kuti VaBango vaitwe operation nhasi.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...