CHRA Yoromba Kutungamirwa Nekomisheni Isina Kusarudzwa Nevanhu

Nhengo dzesangano reCombined Harare Residents Association kana kuti CHRA dzinosvika zana nemakumi mashanu dzaungana neChipiri dzikaratidzira paTown House. Mapurisa anonzi ange asingazive nezve hurongwa uhu.

Nhengo idzi dzanga dzichiimba dzichikurudzira komisheni inotungamirwa naMuzvare Sekesai Makwavarara kuti isiye basa. Kuratidzira uku kunotevera mutongo wakapihwa nedare redzimhosva repamusoro reHigh Court wekuti komisheni inofambisa mabasa eHarare haisi pamutemo.

Vanhu ava vanonzi vazoparara pasvika mapurisa. Mashoko atinawo anoti nhengo dzeCHRA dzakwanisa kupa gwaro renyunyuto kumunyori wedare reparamende, VaAustin Zvoma.

Mutauriri weCHRA, VaPrecious Shumba, audza Patience Rusere weStudio7 kuti havasi kuzozorora kusvika paitwa sarudzo dzameya muHarare.

Kubvira zvakadzingwa basa VaElias Mudzuri veMDC muna 2004, hapasati paitwa sarudzo dzameya muHarare.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7..