Sangano revashandi reZCTU rati rakatyamadzwa nemashoko abuda mubepanhau reHerald remusi weChishanu ekuti gwaro reKadoma Declaration richanyoreranwa pasi nemusi weChipiri.
Mashoko aya anzi akataurwa negurukota rezvemabasa nevashandi, uye vari sachigaro weTripartite Negotiating Forum, VaNicholas Goche. Bepanhau reHerald rati VaGoche vakati gwaro reKadoma Declaration richanyoreranwa neChipiri, zvichitevera kubvumirana kwavakaita neChina mumusangano weTNF.
Asi ZCTU yati musangano uyu hauna kumbofa wakabuda nechisungo chakadai, asi kuti Technical Committee ye TNF ndiyo iri kusangana neChipiri kuti ikurukure nezvegwaro rePrices and Incomes Stabilisation Protocol, chinove chinhu chakatadzisa kunyoreranwa kwechibvumirano cheKadoma Declaration.
Mashoko eZCTU aya atsinhirwawo nemunyori mukuru weZimbabwe Federation of Trade Unions, ZFTU, VaKenias Shamuyarira, avo vati mapoka ose akatambira zviri mugwaro reKadoma Declaration, asi hapana zuva rakatarwa rekunyoreranwa kwechibvumirano.
VaWellington Chibebe, vanowe munyori mukuru weZCTU vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vane tarisiro yekupedza zvasara izvi nemusi weChipiri kuti vazokwanisa kukasika kunyorerana chibvumirano cheKadoma Declaration.
VaJohn Mufukare, Director weEmployers’ Confederation of Zimbabwe, EMCOZ, vatsinhirawo mashoko ataurwa naVaChibebe pamwe naVaShamuyarira ekuti hapana zuva rati ratarwa rekunyorerana chibvumirano cheKadoma Declaration.