VaMutambara naVaMadhuku Vanoti Pamberi Nechimurenga

Mutungamiri wechimwe chikwata cheMDC, Professor Arthur Mutambara, vapika kuti kurohwa kwevakuru vemapato anopikisa, vemasangano akazvimirira oga uye vatsigiri vavo, hakusi kuzovadzorera kumashure uye vacharamba vachishanda naVaMorgan Tsvangirai nevamwe kusvika vabudirira.

VaMutambara vaudza Blessing Zulu mutori wenhau weStudio 7 kuti mitemo inodzvinyirira vanhu haifanire kuremekedzwa.

Doctor Lovemore Madhuku, sachigaro weNCA, vange vachivhenekwawo mumusoro navamazvikokota KuAvenues Clinic zvichityirwa kuti vanogona kunge vakabuda ropa nemukati.

Mutori wenhau dzeStudio7, Blessing Zulu aitawo hurukuro na Doctor Madhuku avo vari munoiswa vanhu vanorwara zvakanyanya, kana kuti Intensive Care Unit.

Vamwe vachiri muchipatara vanosanganisira VaNelson Chamisa, Muzvare Grace Kwinjeh uye Amai Sekai Holland nevamwe.

Dzimwe Nhau Kubva KuStudio 7...