Mapurisa Anopfura Zvakare Vanhu Vashanu Parufu rwaVaTandare

Mapurisa anonzi usiku hweChipiri, akasvikopfura pamwe nekurova vanhu vaichema VaGift Tandare, avo vakapfurwa nemapurisa vakafa neSvondo.

Vanhu vashanu vanonzi vakakuvadzwa uye mumwe wevakakuvadzwa ava, Naison Mashambanhaka, akambenge apfurwa zvakare mangwanani acho.

Chiitiko ichi chinotevera kupfurwa zvakare kwevanhu vaviri mangwanani emusi wakare panzvimbo imwe cheteyo.

Mapurisa aya anonzi akarovawo mumwe mudzimai akanga akazvitakura. Vanhu vatatu vakanga vasungwa pachiitiko ichi vanonzi vakazoregerwa mushure mekurohwa zvakaipisisa.

VaSolomon Madzore, vanowe munyori wevechidiki vebato reMDC, vaudza Studio 7 kuti zvakaitika pausiku uhwu zvinhu zviri kungoonekwa munyika yeIraq, uko kune kurwisana kwemarudzi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...