Masangano eMDC neSave Zimbabwe ashoropodza hurumende nemabatiro ayakaita nyaya yevanhu vaida kupinda mumusangano wekunamatira nyika. Hurumende yakasunga neSvondo mutungamiri we MDC, VaMorgan Tsvangirai, munyori mukuru webato iri, VaTendai Biti, mutauriri webato iri, Va Nelson Chamisa, mutevedzeri wemunyori anoona nezve kudyidzana nedzimwe nyika, Muzvare Grace Kwinjeh, mutauriri waVaTsvangirai, Va William Bango, munyori anoona nezve hurongwa negwara remusangano, Amai Sekai Holland pamwe nemutevedzeri wemubati wehomwe, Va Elton Mangoma,
Vamwe vakasungwa vanosanganisira sachigaro weNCA, Doctor Lovemore Madhuku, mutungamiri wechimwe chikwata che MDC, Va Arthur Mutambara, pamwe nemunyori anoona nezve kudzivirirwa kwenyika muchikwata ichi, Va Job Sikhala. Muchiitiko ichi, mapurisa akapfura Va Gift Tandare vachibva vafa. Zvakaitwa nehurumende zvashorwa nehurumende yaVa George Bush, iyo yati VaMUgabe vanofanirwa kubvuma kuti ndivo vari kukonzeresa kufa kwevanhu, pamwe nekusungwa kwenhengo idzi.
Sangano re International Bar Association rashorawo zvakaitwa nehurumende yaVaMugabe.
Vataura vakamirira Save Zimbabwe Campaign, VaJacob Mafume vaudza mutori wenhau dzeStudio7 Jonga Kandemiiri kuti izvi hazvisi kuzovadzosa kumashure muhurongwa hwavo hwekuda kuti nyika inake.
Bato reMDC radaidzira musangano nevamiriri vedzimwe nyika kuti vazivewo zviri kuitwa nehurumende yaVaMugabe.
Mutevedzeri waVaTsvangirai, Muzvare Thokozane Khupe, vataurawo pamusangano uyu, ndokuyambira VaMugabe kuti vamise katsika kavo kekuurayisa vanhu.
Munyori anoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, uye vari chipangamazano chaVaTsvangirai, Professor Eliphas Mukonoweshuro, vatiwo pari zvino nhengo dzavo dzakabatwa nehukasha hukuru nezvakaitwa nemapurisa.