Hurumende yeAmerica Inoremekedza Amai Williams Nemubayiro Wevanhukadzi Vakashinga

Apo nyika dzose dziri kucherechedza zuva re International Women’s Day, hurumende yeAmerica yapa mibairo kuvanhukadzi gumi avo vari kuita mabasa anoda kushinga. Mumwe wevanhukadzi vakapihwa mubairo, ndi Amai Jenni Williams, coordinator we WOZA. Amai Williams vakaremekedzwa nemubairo we International Women of Courage Award, pamwe nemamwe madzimai mapfumbamwe ekune dzimwe nyika. Madzimai aya akapihwa mubairo iyi naMuzvare Condoleezza Rice, gurukota reAmerica rinoona nezve kudyidzana nedzimwe nyika.

Mumashoko avo kuvanhu pasi rose, munyori mukuru we United Nations, Va Ban Ki-Moon, vati vanhukadzi nevanasikana , ndivo vari kuramba vachitambura, kubudikidza nerusarura ruripo munyaya yedzidzo, mitemo, pamwe nezvimwe zvinosanganisira kushungurudzwa kwevanhukadzi.

MuZimbabwe vanhukadzi vari mumasangano akazvimirira oga, vacherechedzawo zuva iri, pamusangano wakarongwa neWomen’s Coalition.

Mutori we nhau we Studio 7, Carole Gombakomba, uyo akaenda kunoona Amai Williams vachipihwa mubairo, anotipa nyaya iyi.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...