Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vashanyira dzimwe dzemhuri dzakafirwa nehama dzadzo mutsaona yebhazi nechitima, iyo yakaurayisa vanhu vasvika pamakumi matatu nevatanhatu.
Mutori wenhau dzeStudio7, Thomas Chiripasi, ati VaTsvangirai vaperekedzwa nemutevedzeri wavo, Muzvare Thokozani Khupe pamwe nedzimwe nhengo dzebato ravo.
Zvichakadaro, nhengo dzeparamende dzeMDC dzasangana dzikabuda nechisungo chekuti nyaya yetsaona iyi, ikurukurwe nezvayo mudare reparamende, kuitira kuti patsvagwe zvikonzero uye nzira dzekugadzirisa dambudziko iri.
Tsaona dzezvitima nemabhazi kana motokari, dziri kuramba dzichiitika munyika, pasina zvikuru zviri kuitwa nehurumende mukugadzirisa dambudziko iri.
Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvekutakurwa kwezvinhu, VaLeo Mugabe, varamba kukurukura nezvetsaona iyi, vachiti vanoda kutanga vagara sekomiti yose.
VaNelson Chamisa, mutauriri weMDC, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vanoda kuti gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu nekufambiswa kwemashoko, Va Chris Mushowe, vatsanangurire nyika kuti chii chiri kuitwa nehurumende mukuedza kugadzirisa dambudziko iri.