Vanhu makumi matatu nevashanu vafa mangwanani eChipiri zvichitevera tsaona yechitima nebhazi yaitikira munharaunda yeDzivarasekwa.
Mutauriri wemapurisa, Chief Inspector Andrew Phiri, vati mutyairi wekombi iyi, iyo yanga yakatakura vanhu makumi mashanu nevapfumbamwe, haana kumira sezvinodiwa nemutemo apo asvika panzvimbo inosangana njanji nemugwagwa pedyo neSanganai Inn.
Mumiriri weDzivaresekwa muparamende, VaEdwin Mushoriwa, vati varwadzikana zvikuru netsaona yaitika munzvimbo yavanomirira.
VaMushoriwa vati tsaona iyi yakonzerwa nezvinhu zvakawanda, zvinosanganisirawo kusashanda kwezvinozivisa vatyairi kuti kune chitima chiri kupfuura uye kusaonekwa zvakanaka kwemativi emugwagwa, zvichikonzerwa nehuswa husina kuchekwa.
Zvaitika mutsaona tinozvinzwa kubva kuna Thomas Chiripasi ari muHarare; hurukuro pakati pemutori wenhau dze Studio7 Jonga Kandemiiri naVaMushoriwa, uye imwe hurukuro yaitwa naBlessing Zulu nemutauriri wemapurisa, Chief Inspector Andrew Phiri