Munyori mukuru wesangano rinomirira varairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, VaRaymond Majongwe, vati vanyorera mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, tsamba yekuvapindura mashoko ekuvashoropodza, ayo vakataura pamhemberero dzekusvitsa kwavo makore makumi masere nematatu.
Mumashoko avo, VaMugabe vakayambira VaMajongwe kuti hurumende haizorigwi nezvibhakera zvavo, vakati vasiyane netsika yekuda kupandukira hurumende.
Asi VaMajongwe vaudza mutori wenhau dzeStudio7 kuti havatarisiri kunge mashoko akadai achibva kumutungamiri wenyika.
Sangano rePTUZ rinoti rakabudirira nehurongwa hwaro hwekuramwa mabasa kwakaitwa nevarairidzi avo vaida kuti vawedzerwe mari dzavanotambira.
Varairidzi vakazodzokera kubasa svondo rapera mushure mekunge hurumende yavawedzera mari dzavanotambira.