Mapurisa Anoparura 'Operation Chipo Chiroorwa' Nekusunga Pfambi

Vakadzi vanosvika zana nevashanu (105)vakasungwa nemapurisa munzvimbo dzinoti Karoi, Magunje neChirundu pasi pechirongwa chinonzi “Operation Chipo Chiroorwa.”

Vakadzi ava vakamiswa pamberi pedare ra magistrate muKaroi nezuro, vakatongerwa kugara mujeri kwemazuva gumi.

Pane mashoko anotiwo vamwe vemadzimai aya vari kumanikidzwa kunoshanda mumapurazi evakuru vehurumende neZanu-PF.

Kuoma kwezvinhu kuri kupa kuti vamwe vanhu vaite basa rechipfambi. Vanhu vakawanda vari kuomerwa nehupenyu sezvo zvinhu zviri kuramba zvichidhura zuva nezuva.

Mutori wenhau weStudio 7 Arthur Chigoriwa anoti mapurisa aingoti akaona munhukadzi akapfeka mbatya dzavanofunga kuti dzakanangana nekukwezva varume, vaibva vamusunga.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...