MDC Yoendesa Mapurisa Kumatare Edzimhosva Nenyaya Yemisangano

MDC inoti iri kudzokerazve kumatare neChipiri kuti ibvumidzwe kuita misangano iyo yakarambidzwa kuitwa nemapurisa. Bato iri rinotiwo rinoda kuti mapurisa aya abatwe nemhosva yekuzvidza dare.

Izvi zvinotevera kurambidzwa kweMDC kuita musangano kuHighfield svondo rapera kunyange hazvo yainge yatenderwa nedare.

Gweta reMDC, VaSelby Hwacha, vari kutarisirwa kukumbira dare kuti musangano uyu uitwe zvakare mwedzi unouya kuHighfield kwakare. Svondo rapaera mapurisa akamisa misangano yose yezve matongerwo enyika muHarare, nemuChitungwiza.

Kunyange hazvo pasina kubuda chiziviso chekurambidza misangano iyi kune dzimwe nzvimbo, mapurisa ari kurambidza misangano yose yeMDC kuti iitwe munyika.

Doctor Lovemore Madhuku ndivo sachigaro weNCA uye vari nyanzvi munyaya dzemitemo.

Doctor Madhuku vaudza mutori wenhau dzeStudio7, Blessing Zulu, kuti kuenda kumatare kwakanaka asi MDC inofanirawo kupinda mumigwagwa ichiramba kutambira zvekurambidzwa kwemisangano yayo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...