Mutori wenhau dzeStudio7, Irwin Chifera anoti mapurisa, masoja nevechidiki veZANU-PF vari kurova vanhu mumabhawa, pamwe nekuvharisa mabhawa emuHarare vachiti munhu wese anofanirwa kugara mumba make, kana ava manheru.
Mune imwewo nyaya, vadzidzisi vemuzvikoro zvekuEpworth, Hatfield, nedzimwe nzvimbo dziri munharaunda iyi, vanonzi varohwa nezvamboko, nemasoja.
Mumwe mubereki ataura ne Studio 7 anoti vadzidzisi nevana vechikoro, vaita chipatapata kutiza, apo masoja asvika pa Makomo primary school akapakatira zvombo, ndokutanga kurova vadzidzisi, uye vamwe vana vanonzi vakabatanidzirwawo muchiitiko ichi.
Nezuro vadzidzisi vemuzvikoro zveku Glen Norah vanonzi vakarohwa zvakare nemasoja, zvichitevera kunyunyuta kwavanga vachiita, pamusoro pemari dzavanotambira.
Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba , aita hurukuro nemumwe mubereki Va Francis Machimbidzofa, avo vane vana vanodzidza paMakomo kuti varondedzere zvavaona.