Vanhu Vashoma Vovhota Musarudzo Yemumiriri weChiredzi South Muparamende

ZANU-PF yakakunda musarudzo dzekutsvaga mumiriri we Chiredzi South muparamende, dzakaitwa munzvimbo iyi nemusi we Mugovera.

Va Kalisto Gwanetsa veZANU-PF, vakawana mavhoti anosvika 10 400, vachiteverwa naAmai Emmaculate Makondo, vakamirira MDC inotungamirirwa naVaTsvangirai vakawana mavhoti 3 300, kozotiwo, VaMayithani Chauke, ve United People's Party, vakawana 896, vachizoteverwa naVaNehemia Zenamwe, veMDC inotungamirirwa naVaArthur Mutambara, vakawana 674.

Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naMai Rindai-Chipfunde-Vava, Director ve ZESN, vanga vachiongorora sarudzo iyi, ndokutanga nekuvabvunza kuti zvinhu zvaka zvakamira seyi, muChiredzi South, nemusi weMugovera.

Zvichakadaro, mune dzimwe sarudzo dzemakanzura, dzakaitwa ku Bulilima Mangwe pamwe ne Bubi Mguza ku Matebeleland, ZANU-PF yakakunda zvakare.

Vanoongora nezve matongerwo enyika vanoti zvabuda musarudzo idzi, hachisi chiratidzo, chemamiriro akaita zvinhu munyika, panyaya yerutsigiro rwebato re ZANU-PF.

Carole Gombakomba aita zvakare hurukuro na Doctor John Makumbe, mudzidzisi mukuru we zvematongerwo enyika paUniversity of Zimbabwe, ndokuvabvunza kuti vanoonawo sei zvakabuda musarudzo dzemuChiredzi South.

Dzimwe Nhau Nubva ku Studio 7...