MDC Yotsvaga Rutsigiro Rwematare Kuitira Kuti VaTsvangirai Vaite Musangano Wavo neSvondo

MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai yaendesa mapurisa kumatare nenyaya yekuda kuvarambidza kuita musangano kuZimbabwe Grounds nemusi weSvondo.

VaTsvangirai vari kutarisirwa kuparura hurongwa hwekutsvaga rutsigiro musaridzo dzekutsvaga mutungamiri wenyika.

Mutsamba yanyorerwa MDC nemapurisa neChina, mapurisa anoti haakwanisi kutumira mapurisa kumusangano weMDC sezvo mapurisa mazhinji ari kuita basa pasi pechirongwa cheOperation Chikorokoza Chapera.

Mapurisa aya anoti musangano uyu ngauitwe muna Kukadzi. Uyuwo ndiwo mwedzi wakanzi neZanu-PF inenge yapedza kuzeya nyaya yekuti sarudzo dzemutungamiri wenyika dzoitwa muna 2008 here kana kuti muna 2010.

VaInnocent Gonese munyori munyaya dzezvemutemo muMDC.

VaGonese vaudza mutori wenhau weStudio 7 Blessing Zulu kuti kana matare akatadza kuvapa mutongo wavarikutarisira musangano wavo uri kuenderera mberi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...