Komiti Yeparamende Yopindira Munyaya Dziri Kunetsa Mubazi Rezvehutano

Komiti yeparamende inoona nezvehutano, inoti yaona zvakakodzera kuti ipindirewo, munyaya yekuongorora matambudziko akatarisana navana chiremba, vana mukoti, nevamwe vashandi vemuzvipatara zvehurumende.

Sachigaro wekomiti iyi, VaBlessing Chebundo, vanova zvakare mumiriri we Kwekwe muparamende, vaudza Studio 7 kuti vakaona zvakakodzera kutora danho iri.

Mashoko atiri kutambira anoti vana chiremba vari kuramwa mabasa vakayambirwa nevamwe vatungamiri vemuhurumende kuti vakasaendesa zvichemo zvavo kuparamende, zvinenge zvava pachena, kuti kuramwa mabasa kwavari kuita, kunenge kuine chekuita nezvematongerwo enyika.

Vana chiremba vachangopedza chikoro , pamwe nevakuru vavo, vakatanga kuramwa mabasa musi was 21 Zvita, vachiti vanoda kuwedzerwa mari dzavanotambira, kubva pa $56 000, kusvika pamamiriyoni mashanu emadhora pamwedzi wega wega.

Vana mukoti vakambokandawo mapadza avo pasi mwedzi wapfuura, vachitiwo, vanoda kutambiriswa mamiriyoni matatu emadhora pamwedzi. Asi vakazodzoka kubasa, apo vamwe vavo vakambosungwa nemapurisa. Vana mukoti vana vakasungwa ava, vakatarisirwa kumira pamberi pedare redzimhosva nemusi wa 21 Kukadzi.

Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba ataura naVaChebundo kuti tinzwe kutichii chaita kuti vade kupindira munyaya iyi panguva ino.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...