Hurumende Inoti Ichasunga Vose Vemabhizimisi Varikudhurisa Zvinhu

Hurumende inoti irikuzovhara uye kusunga vakuru vemakambani ose airi kuti ari kudhurisa mitengo yezvinhu. Nechipiri vaMike Manga, sachigaro wevanogaya furawa uye vari mukuru weBlue Ribbon Foods vakasungwa nechikwata chemapurisa chakaumbwa kuti chitarise nyaya yemitengo iyi

VaIan Kind mutungamiri weNational Foods vakambobvunzurudzwa nemapurisa nechipiri. Vaviri ava vanoti mapurisa akati kukumbira kwavakaita kuhurumende kuti vanoda kukwidza mutengo wefurawa imhosva.

Asi kambani yenational foods iyi ine vakuru veZanu-PF nehurumende vanosanganisa vaRay Kaukonde, gavhuna weMashonaland East, makurukota ehurumende vaelliot manyika navaNicholas Goche.

RBZ inoti yakaita ongororo inoratidza kuti mitengo yezvinhu yakakwira kakapetwa katatu mukati mevhiki imwe.

Asi amai marah Hativagone mutungamiri weZimbabwe National Chamber of Commerce vaudza vatori venhau muHarare kuti havasi kufara nezviri kuitwa nehurumende.

Amai Hativagone vaudza Blessing Zulu weStudio 7 kuti hurumende inofanira kutaurirana nevemabhizimisi kwete kuvakanda mujeri.

Dzimwe nhau kubva kuStudio 7...