Vadzidzi Vemuzvikoro Zvepamusoro soro Voyambira Hurumende Zvakare Nezvechimoto Chavari Kuronga

Vadzidzi vanoti vacharatidzira musi wa 14 mwedzi uno kana hurumende isina kugadzirisa zviri kunetsa munyaya dzedzidzo munyika.

Izvi zvinotevera musangano waitwa nehutungamiriri hwesangano revadzidzi munyika, re Zimbabwe National Students Union, kana kuti ZINASU.

Vatori venhau veStudio7, Patience Rusere ari muWashington, na Thomas Chiripasi ari muHarare, vataura nemutungamiri weZinasu, VaPromise Mkwananzi, kuti tinzwe zvizere nezve musangano wanhasi, pamwe nehurongwa hwavo

Dzimwe Nhau DzeStudio 7...