Zvikwata Zviviri Zvenhabvu Zvorwira Zita Mumatare Edzimhosva

Makakatanwa pakati pezvikwata zviviri zveCAPS United neCAPS Football Club, pamusoro pezita ari kutarisirwa kukonzera mvonga mupopoto pakati pevatsigiri vezvikwata zviviri izvi pachatanga mwaka wenhabvu gore rino.

Mwaka uyu uri kutarisirwa kutanga musi 3 Kurume.

CAPS United yakakwidza nyaya iyi kumatare ichpikisa kushandiswa kwezita rekuti CAPS kuri kuitwa ne CAPS Football Club, iyo yakatengwa nekambani ye CAPS Holdings kubva ku chikwata cheBuymore mwaka wapera. .

Vamwe vanoongorora nhabvu munyika vanoti nyaya yezita iyi haina basa, sezvo vatsigiri venhabvu vachitsigira chikwata chinenge chichigona kutamba zvisineyi nezita.

Mutori wenhau dzeStudio 7 Marvellous Mhlanga-Nyahuye aita hurukuro nemumwe muongorori wemitambo yenhabvu, VaWellington Dangarembizi, kuti tinzwe pfunga dzavo panyaya iyi.

Dzimwe Nhau dzeStudio7...