Cholera Yonetsa muKariba Pamwe Nemu Harare

Dzimwe nyanzi munyaya dzehutano, dzinoti dambudziko re cholera riri munyika, harifanirwe kunge ririko, sezvo ichi chiri chiratidzo chekuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika.

Vanhu vanosvika gumi nevaviri vanonzi vabatwa nechirwere ichi muHarare, ku Mabvuku pamwe nekuTafara. Asi huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi muKariba hausati hwava kunyatsozivikanwa.

Kuti tinzwisise zviri kutika ku Kariba, mutori wenhau we Studio 7 ,Carole Gombakomba weStudio 7, aita hurukuro naVa Alexander Sibanda, sachigaro ve Commmunity Working Group on Health munzvimbo iyi.

Gore rapera vanhu vakawanda vakafa kubudikidza nechirwere che cholera. Vana mazvikokota vanoti chirwere ichi chinonyabata vanhu vari kumaruva.

Carole Gombakomba aita zvakare hurukuro na Dr Billy Rigava, chiremba, uye vari mutungamiri we Zimbabwe Medical Association, kuti tinzwe kuti dambudziko iri vari kurionawo seyi.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...